John 6

Zvuru zvishanu zvinogutswa naJesu

1Shure kwezvinhu izvi Jesu wakabva akaenda mhiri kwegungwa reGarirea, rinova reTibheriasi. 2Zvino chaunga chikuru chikamutevera, nokuti vakaona zviratidzo zvake zvaaiita kune avo vairwara. 3Jesu ndokukwira mugomo, akagarapo nevadzidzi vake. 4Zvino pasika, mutambo weVaJudha, wakange waswedera.

5Zvino Jesu paakasimudza meso, ndokuona kuti chaunga chikuru chinouya kwaari, akati kuna Firipi: Tichatengepi zvingwa, kuti ava vadye? 6Wakareva izvozvo achimuedza, nokuti iye waiziva zvaaizoita. 7Firipi akamupindura achiti: Zvingwa zvemadhenario* mazana maviri hazvivakwani, kuti umwe neumwe wavo atore chidiki. 8Umwe wevadzidzi vake, Andiriya munin'ina waSimoni Petro, akati kwaari: 9Pane kamukomana pano kane zvingwa zvishanu zvebhari* nehove diki mbiri; asi zvii kuvazhinji vakadai? 10Asi Jesu wakati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakange kune uswa uzhinji panzvimbo iyo. Naizvozvo varume vakagara pasi, muuwandu vachinge zvuru zvishanu. 11Zvino Jesu wakatora zvingwa, avonga akagovera kuvadzidzi, vadzidzi vakagovera avo vakange vagere pasi; saizvozvowo zvehove diki zvakawanda sezvavaida. 12Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake: Unganidzai zvimedu zvasara, kuti kurege kurasika chinhu. 13Naizvozvo vakaunganidza, vakazadza matengu gumi nemaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakasara kune avo vakadya. 14Kuzoti vanhu avo vaona chiratidzo Jesu chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita achauya panyika. 15Naizvozvo Jesu aziva kuti voda kuuya nekumubata nesimba, kumuita mambo, akasuduruka akaendazve mugomo ari ega.

Jesu anofamba pamusoro pemvura

16Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa, 17zvino vapinda muchikepe, vakayambuka gungwa kuuya kuKapenaume. Zvino kwakange kwatosviba, asi Jesu wakange asati asvika kwavari. 18Gungwa ndokumuka nokuti mhepo huru yaivhuvhuta. 19Zvino vakati vakwasva masitadhiya* anenge makumi maviri nemashanu kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pachikepe; zvino vakatya. 20Asi wakati kwavari: Ndini, musatya. 21Zvino vakada kumugamuchira muchikepe; pakarepo chikepe chikasvika kunyika kwavakange vachienda.

Jesu chingwa cheupenyu

22Chifume chaunga chakange chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, chichiona kuti pakange pasina rimwe igwa ipapo kunze kweriri rimwe makange mapinda vadzidzi vake mariri, uye kuti Jesu haana kupinda nevadzidzi vake mugwa, asi vadzidzi vake vakange vaenda vega, 23(asi kwakasvika mamwe magwa aibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakadya chingwa, Ishe avonga); 24naizvozvo chaunga chakati chaona kuti Jesu wakange asipo kana vadzidzi vake, ivo vakapindawo mumagwa, vakasvika kuKapenaume, vachitsvaka Jesu. 25Zvino vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi*, masvika pano rinhi? 26Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Munonditsvaka, kwete nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvezvingwa mukaguta. 27Musashandira kudya kunoparara, asi kudya kunogara kusvika kuupenyu husingaperi, Mwanakomana wemunhu kwaachakupai; nokuti Mwari Baba vakaisa pane uyu mucherechedzo. 28Naizvozvo vakati kwaari: Tichaitei, kuti tishande mabasa aMwari? 29Jesu akapindura akati kwavari: Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende kune waakatuma iye.

30Naizvozvo vakati kwaari: Ko imwi munoita chiratidzo chipi kuti tione tikutendei? Munoshandei? 31Madzibaba edu akadya mana* murenje, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye. 32Naizvozvo Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga; asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. 33Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga achipa upenyu kunyika. 34Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi nguva dzese. 35Jesu ndokuti kwavari: Ndini chingwa cheupenyu; uyo anouya kwandiri, haangatongovi nenzara; neanotenda kwandiri haangatongovi nenyota.

36Asi ndakati kwamuri: Nemwi makandiona, asi hamuna kutenda. 37Wese Baba wavanondipa achauya kwandiri; neanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze. 38Nokuti ndakaburuka kudenga, kwete kuti ndiite chido changu, asi chido chaiye wakandituma. 39Zvino ichi ndicho chido chaBaba vakandituma, kuti chese chavakandipa, ndisarasikirwa nechinhu pachiri, asi ndichimutse nezuva rekupedzisira. 40Uye ichi ndicho chido chewakandituma, kuti wese anoona Mwanakomana uye achitenda kwaari, ave neupenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.

41Zvino VaJudha vakagunun'una pamusoro pake, nokuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga. 42Ndokuti: Uyu haasi Jesu Mwanakomana waJosefa, baba namai vake vatinoziva isu here? Zvino iye anogoti sei: Ndakaburuka kubva kudenga? 43Naizvozvo Jesu akapindura akati kwavari: Musagunun'una pakati penyu. 44Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti Baba vakandituma vamukweva, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. 45Zvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Uye vachadzidziswa vese naMwari. Wese naizvozvo wakanzwa naBaba akadzidza, anouya kwandiri. 46Kwete kuti kune wakaona Baba, kunze kweuyu anobva kuna Mwari, uyu wakaona Baba. 47Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, ane upenyu husingaperi. 48Ini ndiri chingwa cheupenyu. 49Madzibaba enyu akadya mana* murenje, asi akafa. 50Ichi chingwa chinoburuka kubva kudenga, kuti munhu adye pachiri agorega kufa. 51Ini ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya zvechingwa ichi, achararama nekusingaperi. Uye chingwa ini chandichapa, inyama yangu, ini yandichapira upenyu hwenyika.

52Naizvozvo VaJudha vakakakavadzana vachiti: Uyu anogona kutipa sei nyama yake tidye? 53Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti mudye nyama yeMwanakomana wemunhu nekunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. 54Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. 55Nokuti nyama yangu kudya zvirokwazvo, neropa rangu chinwiwa zvirokwazvo. 56Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari. 57Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; naizvozvo anondidya, naiye achararama neni. 58Ichi chingwa chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita semadzibaba enyu akadya mana* akafa; anodya chingwa ichi, achararama nekusingaperi.

59Zvinhu izvi wakazvireva musinagoge achidzidzisa paKapenaume.

Vadzidzi vaJesu vazhinji vanomusiya

60Naizvozvo vazhinji vevadzidzi vake vakati vachinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndiani anogona kurinzwa? 61Asi Jesu aziva mukati make kuti vadzidzi vake vanogunun'una neizvi, wakati kwavari: Izvi zvinokugumbusai kanhi? 62Ko muchagodini kana muchiona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaaiva pakutanga? 63Mweya ndiye anoraramisa, nyama haibatsiri chinhu; mashoko ini andinotaura kwamuri, mweya uye upenyu. 64Asi variko vamwe venyu vasingatendi. Nokuti Jesu wakange achiziva kubva pakutanga, kuti ndivana ani vaisatenda, uye kuti ndiani waizomutengesa. 65Akati: Nekuda kwaizvozvi ndati kwamuri: Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti azvipiwa naBaba vangu.

66Kubva ipapo vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera shure, vakasazofambazve naye. 67Naizvozvo Jesu wakati kune vanegumi nevaviri: Imwiwo hamudi kuenda here? 68Zvino Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichaenda kuna ani? Imwi mune mashoko eupenyu husingaperi, 69uye isu tinotenda, uye tinoziva kuti ndimwi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu. 70Jesu akavapindura akati: Ini handina kukusanangurai imwi vanegumi nevaviri here, asi umwe wenyu ndidhiabhorosi? 71Waireva Judhasi Isikariyoti waSimoni; nokuti ndiye waizomutengesa, ari umwe wevanegumi nevaviri.

Copyright information for Shona